Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau Corneilus Nduna Oradzikwa kuChivhu


Cornelius Nduna achiradzikwa

Mutori wenhau Cornelius Nduna uyo akashaya muHarare nemusi weChina aradzikwa kumusha kwake kuMasasa kuChivhu hama neshamwari dzichiti munhu aiziva basa rake zvikuru sei kuburitsa nyaya dzehuwori.

Mutauriri wemhuri, Dr Prosper Chonzi, vati mhuri pamwe nenyika zvaraikirwa nemunhu aive mafirakureva.

VaChonzi vanoti vakaziva zvakawanda pakutapwa nekutorwa kwenhau kubva kuna Nduna.

Mumwe mutapi wenhau uyo akashanda naNduna kwemakore akawanda, Farai Mutsaka , audza Studio 7 kuti Nduna aisava mutori wenhau wemandorokwati chete asi aisimudziravo vatori venhau vechidiki.

Nduna uyo akazvarwa muna 1970 akashandira makambani enhau anosanganisira Masvingo Star, Herald, Standard ne nemakambani ekunze uko aidzidzisa basa vechidiki vakawanda.

Rufu urwu rwauya apo mhuri yevatori venhau iri kuchema vamwe vatori venhau vakaita saAugustine Moyo akamboshanda kuHerald, Gift Phiri weDaily News, Ray Matikinye akamboshandirawo Daily News zvekare uye Walter Mswazie aishandira Herald.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG