Accessibility links

Breaking News

Mutongi Mukuru weMatare Okurudzira Kuremekedzwa kweMatare


VaLuke Malaba
VaLuke Malaba

Mukuru wevatongi vedzimhosva munyika, Chief Justice Luke Malaba, nhasi vaparura kushanda kwematare zviri pamutemo gore rino vachiti vanhu vanokwidza nyaya dzavo kumatare neveruzhinji vanofanira kuremekedza mitongo yematare zvisinei nekuti inovafadza here kana kuti kwete.

Vachiparura kushanda kwematare pamuzinda weConstitutional Court nhasi, Justice Malaba, vati matare anopa mitongo yawo mushure mekupa mativi ese mukana uye anoita izvi achitevedza mutemo.

Vati nekudaro zvakakosha kuti mitongo yematare irememekedzwe vachiti kana vanenge vasingafare nemitongo iyi vanokwidza nyaya dzawo kumatare epamusoro.

Vati matare epamusoro anotambira kana kuisa mitongo yematare epasi parutivi kana achinge aona zvakakodzodzera.

Justice Malaba vati kunyomba vatongi vematare handiko kunoshandura mitongo yavanenge vapa.

Vati vanhu vakasununguka kunoongorora mitongo inopihwa nematare uye izvi zvinosimbisa mabasa emutemo munyika. Vati izvi zvinokwanisa kuitwa pasina kunyomba vatongi.

Justice Malaba vati zvinofadza kuti mapazi ese ehurumende ari kurwisa nyaya dzehuori muhurumende uye vakurudzira muchuchusi mukuru wenyika kuti aone kuti nyaya dzese dzehuwori dzaunzwa kumatare nechimbichimbi.

Vati sezvo vakavhura matare anoona nezvenyaya dzehurowori muHarare neBulawayo gore rapfuura gore rino vachavhura matare akadai muMasvingo, Mutare neGweru.

Mutungamiriri wesangano remagweta, reLaw Society of Zimbabwe, VaMisheck Hogwe, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana naJustice Malaba kuti matare anofanira kuremekedzwa.

VaHogwe vatiwo vanotarisa kuona matare achitonga nyaya dzehuwori sezvo pave nematare akamirira kunzwa nyaya idzi chete.

Rimwe gweta rapindawo pachiitiko chanhasi, Advocate Eric Matinga vati vafara chose kuti Justice Malaba vabuda pachena kuti vanoda kuti matare agadzirise nyaya dzehuwori munyika.

Vatinowo vanotsigirawo mashoko aJustice Malaba ekuti vanhu vafaniri kunyomba vatongi kana vachinge vapamitongo isingavafadze.

Vatiwo vanhu vanopikisa vatongi vanofanira kuburitsa huchapupu hwekuti mutongi atadza basa kwete kunyomba pasina humbowo.

Justice Malaba vati zvakakosha kuti matare apihwe mari yakakwana vachiti izvi ndizvo zvinoita kuti akwanise kuita basa rawo nemazvo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG