Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri WeMurairidzi WemaWarriors Osiya Basa


Vange vachirairidzi chikwata chema Warriors vari Interim Coach, va Norman Mapeza, vanoti vasiya basa ku ZIFA uye vakatonyora tsamba yekusiya kwavo basa svondo rapera.

Vanoti pari zvino havasati vaudzwa kubva kusangano iri pamusoro pekusiya kwavo basa.

Sangano rinomirira vatsigiri munyika reZimbabwe Soccer Supporters Association rinoti ZIFA inofanirwa kugadzirisa zvinhu uye harisi kushamiswa nekusiya basa kwavaMapeza sezvo vange vasira kubatwa zvakanaka kubvira pakatanga nyaya yemurairidzi mutsva weku Belgium, Tom Saintfeit, uyo akanyimwa mapepa ekushanda munyika svondo rino.

ZIFA inoti irikutarisira kunyorera bazi re immigration kuti rewongorore zvakare nyaya yava Saintfiet sezvo sangano iri riyinechibvumirano navo chemakore mana. Nhengo dzeZIFA parizvino riri kuKariba uko varikuzeya zvirikuitika musangano iri. Zvinonzi vaSaintfiet vachasangana ne ZIFA kuMozambique svondo rino uya uko vachazeya nyaya yemapepa avo pachatamba chikwata chemaWarriors ne Mozambique muMaputo pamutambo wekuyedzana simba.

XS
SM
MD
LG