Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weMupepeti Mukuru weBepanhau reDaily News Maxwell Sibanda Anoshaya


VaMaxwell Sibanda

Mutevedzeri wemupepeti mukuru webepanhau reDaily News, VaMaxwell Sibanda, avo vakashaya nemusi weSvondo manheru mushure mekurwara neshuga varumbidzwa nevamwe vavo semunhu aive akazvinipisa uye aigona basa rake pamwe nekufarira kudzidzisa vatori venhau vachidiki basa.

Muzukuru waVaSibanda, Muzvare Belinda Chivizhe, vaudza Studio 7 kuti VaSibanda vairwara neshuga izvo zvakaita kuti itsvo dzavo dzitadze kushanda.

Vanoti Sibanda vakaendeswa kuchipatara nemusi wechitatu apo hutano hwavo hwakaramba huchidzikira.

Muzvare Chivhizhe vaudza Studio 7 kuti VaSibanda vacharadzikwa kumusha kwavo kuZvichemo kuChivhu nemusi weChitatu.

Sanganoi reMedia Alliance of Zimbabwe kana kuti MAZ rati rarasikirwwa zvikuru nekushaya kwaVaSibanda richiti munhu aifarira basa rake zvakanyanya uye achifarira nyaya dzemimhanzi nemitambo.

MAZ yatiwo VaSibanda munhu akaita basa guru panyaya dzekukurudzirwa kwekuvandudzwa kwemitemo yekutapwa kwenhau munyika vari mumasangano akaita seMAZ, National Editors Forum pamwe neMedia Institute of Southern Africa- Zimbabwe.

VaSibanda avo vange vave nemakore anodarika makumi maviri nemashanu vari mubasa rekutapa nhau munhuwo airemekedzwa nenyaya yekudzidzisa vatapi venhau vechidiki basa. VaRegan Mashavave ndemumwe wevatapi venhau anoti akadzidziswa zvakawanda naVaSibanda.

Imwe nenhengo yekomiti yeNational Editors Forum, VaBarnabas Thondlana, vatsanagurawo mufi semunhu aive akazvinipisa.

Mutungamiriri weZimbabwe Union of Journalists, VaMichael Chideme, vatiwo VaSibanda ndemumwe wevapepeti venhau vakuru vange vasara munyika uye vange vakatarisira kuti VaSibanda vaende kunodzidzisa kutapwa kwenhau mumumayunivhesiti.

VaSibanda avo vange vave nemakore makumi mashanu nematatu vakatanga basa rekutapa nhau muna 1994 uye vakashandira mapepanhau akawanda vasati vaenda kuDaily News. Vasiya mudzimai nevana vatatu.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG