Accessibility links

Breaking News

Mutambi WeZimbabwe Cricket kyle Jarvis Omiswa Kutamba Nekukuvara


Sangano reZimbabwe Cricket razivisa kuti mutambi wechikwata chavo, Kyle Jarvis, amiswa kutamba mumitambo mitatu yemaOne Day Internationals acha tambirwa mu Kingston, muSt Vincent kubvira mangwana.

Izvi zvinotevera kukuvara musana kwakaita Jarvis. Zimbabwe pari zvino yakaita mangange 1-1 neWest Indies mumakwikwi aya.

Kunyangwe zvazvo Jarvis asirikukwanisa kutamba mumutambo wamangwana, vatsigiri vemutambo uyu vanoti vatambi vasara muchikwata vanehunyanzvi hunoita kuti vakwanise kukunda chikwata che West Indies.

XS
SM
MD
LG