Accessibility links

Breaking News

Mutambi WeTenisi Cara Black Odadisa Nyika


Vatsigiri pamwe nevarairidzi vemutambo weTenisi vanoti vari kufara nekukunda kwakaita nyanzvi yemutambo wetenisi, Cara Black nemumwe wake wekuIndia, Leander Paes, mumutambo wema mixed doubles avakatamba nezuro kuAustralia.

Vaviri ava vakakunda vatambi vanoti Katerina Makarova wekuRussia, naJaroslave Levinsky weku Czech Republic.

Murairidzi wemutambo wetenisi, va Richmore Murape, vanoti kukunda kwaCara Black kunopawo rudadiso kuvatambi vechidiki vari kutamba mutambo uyu munyika pari zvino.

XS
SM
MD
LG