Accessibility links

Breaking News

Mutambi Wenhabvu Benjani Mwaruwari Osarudzwa Kuve Brand Ambassodor We Nyika


Vanhu vakawanda munyika vanoti vari kufara zvikuru neruremekedzo rwakapihwa Benjani Mwaruwari rwekuva mumiriri weZimbabwe munyaya dzemitambo yenhabvu kumusangano we 2013 World Tourism General Assembly.

Musangano uyu uri kuitirwa ku Victorial Falls ne Livingstone ku Zambia gore rinouya. Guta re victoria falls riri pedyo ne livingstone, iyo iri mhiri kwemapopoma e Victoria Falls kudivi re Zambia. Ruremekedzo rwekuva brand ambassador kumusangano uyu rwakapihwa Mwaruwari negurukota rezve kushanyirwa kwenyika, va Walter Mzembi, pamabiko ekutsvaga mari yekubatsira vatambi venhabvu vechidiki vanotambura.

Vachitaura pamabiko aya, vaMzembi vakati Mwaruwari akanga obatana nemuimbi, Oliver Mtukudzi, uyo akapihwawo ruremekedzo urwu.Mtukudzi akapihwa zvakare ruremekedzo gore rapera ne UNICEF rwekuva UNICEF Regional Goodwill Ambassador munyika dziri kumabvazuva nekuchamhembe kwe Africa.

Va Mzembi vaudza Studio Seven kuti munyori mukuru musangano reUnited Nations World Tourism Organisation vaTaleb Rifai vasvika munyika nhasi umo varikutarisirwa kunyorerano zvibvumirano nevatungamiri venyika ve Zimbabwe neZambia kuVictoria Falls mangwana. Va Rifai vachange vari kushanya munyika mbiri idzi kubvira nhasi kusvika musi weChitatu svondo rino.

VaMzembi vanoto vaRifai vari munyika kuti vawone mamiriro akaita gadziriro ye musangano mukuru we UNTWO General Assembly uchaitirwa muZimbabwe ne Zambia gore rinouya mumwedzi wanyamavhuvhu kubvira musi wa 24 kusvika musi wa 29.

Nhengo yeHighlanders, uye vari life member yechikwata ichi, vaOmega Sibanda, vanoti pupihwa kwaMwaruwari ruremekedzo urwu kuchabatsira kusimudzira matambudziko evatambi venhabvu.

XS
SM
MD
LG