Accessibility links

Breaking News

Musangano weKimberly Process Unotanga kuIsrael


Va Izhakoff vatiwo KP inofanirwa kuchinja mashandiro ayo munyaya dzekuwongorora kuti mangoda ari kufambiswa sei pasi rose

Mutongi wedare repamusoro re High Court, Va Chinembiri Bhunu, vanyima mutungamiri weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo. Dare rati chikumbiro ichi chinofanirwa kunzwikwa nedare remajesitiriti iro rakavimbisa kunzwa chichemo ichi kana mapurisa apedza kuferefeta nyaya iri kupomerwa VaMaguwu.

VaMaguwu vari kupomerwa mhosva yokuburitsa mashoko anonzi nehurumende anokanganisa chimiro chayo panyaya yezviri kuitika pamangoda ekwaChiadzwa.

Zvichakadaro, musangano we Kimberly Process watanga neMuvhuro mu Tel A Viv ku Israel. Nyaya yeZimbabwe yataurwa uye paitwa kurudziro yekuti dai Zimbabwe yaburitsa muhusungwa VaMaguwu.

Mukuru we Kimberly Process, Va Boaz Hirsch, pamwe nemukuru we World Diamond Council, Va Eli Izhakoff, ndivo vaparura musangano uyu vachinyunyuta nekusungwa kwaVaMaguwu uye mafambisiro ari kuitwa nyaya yemangoda ekwaMarange.

Va Izhakoff vatiwo KP inofanirwa kuchinja mashandiro ayo munyaya dzekuongorora kuti mangoda ari kufambiswa sei pasi rose. Nhumwe yeKP kuZimbabwe, Va Abbey Chikane, vapira gwaro ravo kumusangano uyu vachikurudzirawo hurumende yeZimbabwe kuti iburitse VaMaguwu muhusungwa kana yakavasungira zvine chekuita nemusangano wavakaita naVaMaguwu.

Asi VaChikane varamba vakamira nekurudziro yavo yekuti KP ibvumidze Zimbabwe kutengesa mangoda ayo pamusika yepasi rose. Va Mcdonald Lewanika ndivo mutungamiri we Crisis in Zimbabwe Coalition. Vati masangano akazvimirira ega akatumira nhumwe dzawo ku Israel kunopa humbowo hwemamiriro akaita zvinhu kwaMarange uye kuti ivo vanoda kuti KP iite sei kugadzirisa zvinhu mu Zimbabwe.

XS
SM
MD
LG