Accessibility links

Breaking News

Musangano We Kimberly Process Hausati Wawirirana Panyaya Yemangoda Ekwa Marange


Mashoko ari kubva ku Russia anoti vazhinji vari kutsigira kuti atengeswe, asi vashoma vachiramba. Mvumo iyi inotopihwa chete kana vanhu vese vari muKimberly Process vawirirana

Musangano we Kimberly Process uri kuitirwa mu St Petersburg ku Russia hausati wabvumirana kuti mangoda ekwa Marange apihwe mvumo yekutengeswa pamisika yepasi rose.

Mashoko ari kubva ku Russia anoti vazhinji vari kutsigira kuti atengeswe, asi vashoma vachiramba. Mvumo iyi inotopihwa chete kana vanhu vese vari muKimberly Process vawirirana.

Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vakabaya dede nemukanwa pavakanyatsoburitsa zvinoda kuitwa kuitira kuti mangoda ekwa Marange abetsere nyika, kwete vanhu vashoma.

VaBiti vakaudza dare reparamende nezuro kuti kuchaiswa mutemo we Diamond Act unopa hurumende mvumo yekuchera mangoda, uye kuumba homwe yemari umo munozopinda mari yezvicherwa zvenyika. Nyanzvi munyaya dzehupfumi, Va Eric Block, vati zvakataurwa naVa Biti zvikatevedzerwa humbavha hunoita hushoma.

Va Prosper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Research Institute of Zimbabwe. Va Chitambara vanoti Va Biti vari panguwa yakaoma nekuti nyika haina mari zhinji irikubva kunze saka vari kuedza kutsvaga mari iyi muzvicherwa zvakaita semangoda kasi vachitevedzera zviri pamutemo.

Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vakatiwo hupfumi hwenyika hunofanira kubudirira. Vakati kuti izvi zviitike, panofanirwa kutorwa matanho akaomarara mukudzivirira nyaya dzehuori, idzo dziri kupa kuti vashoma vagare vari pamutambara kede, vamwe vachiyaura nenhamo.

Muhurukuro iyi, tabata nyanzvi munyaya dzezve hupfumi, Va Rejoice Ngwenya, pamwe naVa Paul Rumema-Chimhosva, nyanzvi mukuongorora zvematongerwo enyika kuti tinzwe maonero avo. Vaviri ava vanowirirana kuti nyaya yehupfumi hwenyika ienderere mberi, nyaya yehutongi hwejekerere inofanira kutanga yagadziriswa.

XS
SM
MD
LG