Accessibility links

Breaking News

ANC yekuSouth Africa Yoti Iri Kushushikana neRamangwana Kana VaMugabe Vakamuka Vasisipo


Bato riri kutonga muSouth Africa reAfrican National Congress kana kuti ANC, rati riri kushushikana zvikuru kuti kana mutungamiriri wenyika uye vari mutungamiri weZANU-PF, VaRobert Mugabe vakafa kana kusiya basa nhasi, zvinhu zvinogona kuita manyama amire nerongo munyika.

Mugwaro rebato iri, ANC yati nhumwa dzemutungamiri webato iri uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma dziri kushanda munhaurirano nemapato eZANU-PF neMDC, dziri kushushikana zvikuru kuti pangangova nekusawirirana kwakanyanya mubato reZANU-PF vanhu vachirwira kutungamirira bato iri kana VaMugabe vasisipo.

Gwaro iri rati izvi zvingangodzosera hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva kumashure uye sarudzo dzinotarisirwa kupedza bopota rezvematongerwe enyika idzo dzakatarisirwa mukupera kwegore rino dzinogona kukanganiswawo.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo vati semaziviro avo VaMugabe vakasimba uye vari kupinda misangano yese zvekuti hapana hurukuro yati yaitwa nebato iri nezvenyaya yehutano hwavo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika VaCharles Mangongera, vati vanowirirana nemaonero eANC ekuti zvinhu zvingangotadza kumira zvakanaka munyika kana VaMugabe vakarwara kana kufuma vasisipo.

VaMangongera vati izvi zvinoburitswa pachena nekusawirirana kunonzi kwave mubato iri vanhu vachida kugadzirira kuzotora chinzvimbo chaVaMugabe.

XS
SM
MD
LG