Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vanga vari kuMatebeleland North uko vapa vagari vemudunhu iri matsiru anodarika chiuru chimwe chete muchirongwa che Command Livestock.
VaMnangagwa vaita izvi vasati vaita musangano ku Lupane uko kwapindwa nevatsigiri vebato ravo. VaMnangagwa vaudza vatsigiri vavo kuti hurumende yavo itsva haifi yakakanganwa vakuru vakaunza rusununguko munyika kusanganisira vaimbove mutungamiriri wenyija, Va Robert Mugabe nevamwe vakashaya.
VaMnangagwa vati pavakapinda panyanga gore rakapera vakaziva kukosha kwemadzishe nehutungamiri hwemakereke.
Vati vakaita misangano nemadzishe ose uye hutungamiriri hwemakereke ose munyika kuti vanzwe kubva kwavari maererano nekufambiswa kwenyika kuenda kumberi.
VaMnangagwa vati chikuru chavakaona kuti chinobatsira nyika kubva mumadhaka ayanga yakanyura, kumutsiridza mabhizinesi, izvo zvakaita kuti vaite misangano nevemabhizinesi munyika yese vachisunga zvibvumirano zvekushanda pamwe chete mukusimudzira nyika munyaya dzezvehupfumi.
Vati hurumende yavo yakazvipira kushanda nevanhu vese, mukugadzirisa zvose zvinoda kugadziriswa.
VaMnangagwa vapeta musangano wavo nekushoropodza kuratidzira kuri kuitwa nevemapato anopikisa vachiti izvi hazvitadzisi bato ravo kukunda musarudzo nekuti kuratidzira hakusi kuchavhota.
Va Mnangagwa vatenda rutsigiro rwevagari vemudunhu reLupane vakavakumbira kuti vagoziva pekuvhotera muzuva resarudzo.
Facebook Forum