Accessibility links

Breaking News

Murairidzi weHighlanders Ochema Chema neMamiriro eNhandare yeRufaro Stadium


Dynamos-v-Highlanders
Dynamos-v-Highlanders

Murairidzi wechikwata cheHighlanders Henrik Pieter de Jongh anoti nhandare yenhabvu ine mukurumbira yeRufaro Stadium haikodzere kutambirwa nhabvu yepamusoro soro yeCastle Lager Premieer Soccer League.

Izvi zvinotevera mangange e1-1 akaita chikwata chake neDynamos muRufaro Stadium nezuro. Vakanwisa zvibodzwa izvi ndiTinashe Mukande kuHighlanders kuchizoti Evans katema weDynamos.

Asi De Jongh ari kuchema nenhandare yeRufaro Stadium. Mangange aya asiya Highlanders iri pachidanho chechinomwe nemapoinzi makumi mana yakaenzana neDynamos iyo iri pachinhanho chechisere kwasara mitambo mishanu chete kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.

Zvikwata zvine mukurumbira izvi zviri mapoinzi gumi nerimwechete pasi peCaps United iyo irikutungamira makwikwi aya kunyange hazvo yakarohwa 2-0 neTelOne muAscot Stadium nezuro zvekare.

Murairidzi weDynamos Tonderai Ndiraya anoti vatambi vake vachiri vadiki asi vadzidza zvakawanda mwaka uno zvekuti avekutarisira kuzotsvaga vamwe vatambi vashoma kubva kune zvimwe zvikwata achisimbisa chikwata ichi kuti chizokwanisa kurwira mukombe gore rinouya.

Mangange ne Highlanders ave echipfumbamwe akateverana asi Ndiraya ari kuyemura vatambi vake kuti havasati vakundwa kana mumutambo mumwechete pamitambo yeligi gumi neminomwe yapfuura.

Asi mumwe mutsigiri mukuru weDembare VaMichael Chindowa avo vanozivikanwa kunzi "Chuchu" vanoti chikwata chavo chinoda kugadziriswa zvakasimba.

FC Platinum iri kuramba iri pachidanho chechipiri nemapoinzi makumi mana nemapfumbamwe mushure mekurohwa pamusha zvaive zvisingafungirwe 1-0 neBulawayo Chiefs.

Chicken Inn iyo iri pachinhanho cheechitatu haina kutamba sezvo yaifanira kusangana neTrinagle iyo yaive nemutambo weCaf Confederation Cup ne FC Madhibou iyo vakakunda 3-2 asi ndokubuda mumakwikwi aya 4-3 mushure mekurohwa 2-0 mumutambo wekutanga.

Mimwe mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yakapera seizvi…

Yadah 1 Chapungu 0

ZPC Kariba 1 Black Rhinos 0

Hwange 1 Mushowani 0

Ngezi Platinum 1 Manica Diamonds 0

Herentals 0 Harare City 0

Zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi

Caps United 51 points

FC Platinum 49 points

Chicken Inn 46 points

ZPC Kariba 45 points

Zvikwata zvina zviri pasi petafura ndeizvi…

Herentals 31 points

Hwange 31 points

Mushowani 30 points

Yadah 28 points

Zvichakadaro, vePremier Soccer League nhasi vatora nguva ino kuita mubatanidzwa wezvikwata wemasemi fainari eChibuku Super Cup iyo yamira seizvi…

ZPC Kariba v Highlanders

Harare City or Triangle v Ngezi Platinum Stars

Rugby

Mhemberero ichiri kuenderera mberi muZimbabwe mushure mekunge chikwata cheSouth Africa chemaSpringboks chakatora mukombe we 2019 World Cup varova England 32-12.

Kune veruzhinji munyika, kukunda kweSouth Africa kukundawo kweZimbabwe sezvo mutambi Tendai ‘The beast’ Mtawarira akaberekerwa muZimbabwe. Muhurukuro yaakamboita neStudio 7 Mtawarira akati chaive chido chake kusimudza mukombe uyu asati aenda pamudyandigere.

Mumwe muteveri wemutambo uyu Muzvare Jestina Mushore vanoti vari kufara nezvakaitika izvi vachiti chishuwiro chavo chave chekuti Zimbabwe ibudirirewo kuenda kuWorld Cup inotevera iyo ichaitwa muna 2023.

Muongorori wezvemitambo VaFarai Kambamura vanoti Zimbabwe inofanira kudzidza kubva kune zvakaitika izvi kuti rimwe gore isvikewo pachidanho chakadai.

VaKambamura vanoti Zimbabwe inofanira kurongeka kuti isarasikirwe nevatambi vakaita saMtawarira nevamwe vakaita saKennedy Tsimba uyo akapedzisirawo ave kutambira maSpringboks zvekare panzvimbo yemaSables.

Aimbotambira Old Hararians Tendai ‘The Bulldog’ Chaza anoti kukunda kweSouth Africa kunosimudzirawo mutambo uyu muZimbabwe sezvo vatambi vemuno vachada kunotambira zvikwata zvekuSouth Africa, izvo zvinokwanisa kuzobatsira maSables.

Aka kave kechipiri South Africa ichitora mukombe weWorld Cup uyu mushure mekuita zvimwe chetezvo muna 1995 apo makundano aya akaitirwa munyika yavo.

Zimbabwe yakapedzisira kuenda kuRugby World Cup muna 1991 apo mushakabvu Richard Tsimba akaita mukurumbira unotyisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG