Sangano reZimbabwe Football Associationa (ZIFA) rinoti ririkufadzwa nehunyanzvi wemurairidzi mutsva wechikwata chemaWarriors wekuBelgium Tom Saintfiet uyo akanga ari murairidzi wechikwata cheNamibia asati atora basa idzva iri.
Kunyangwe zvazvo ZIFA yapa basa iri kuna va Saintfiet Namibia iri kuti haisati yapedzerana navo sezvo vaine chibvumirano chemakore mana asi ivo vashanda kwemakore maviri chete.
Izvi zvinonzi zvingangoita kuti pave nezvimhingamipinyi pakushanda kwava Saintfiet. Murairidzi mutsva uyu achange achibatsirwa basa na Va Madinda Ndlovu nevakafana kubata chitsvimbo ichi va Norman Mapeza.
Va Friday Phiri, ndivo vagadzwa nemurairidzi we ma Under 23.
Va Saintafiet ndivo vachatungamira chikwata chemaWarriors, Cape Verde Islands musi wa October 10 mumutambo we Nations Cup qualifier.
Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio Seven naBoard Member ye ZIFA vachiona nezvemakwikwi, vaBenedict Moyo.