Accessibility links

Breaking News

Munyori Mukuru weMDC VaHwende Vomiswa Pamberi peDare Vachinzi Vaida Kupidigura Hurumende


Charlton Hwende

Munyori mukuru webato rinopikisa, reMDC, VaCharlton Hwende, vamiswa pamberi pedare nhasi gweta ravo, VaHarrison Nkomo vachiti nyaya yavari kupomerwa yekuti vaida kupidigura hurumende iraswe. Asi vachuchusi vehurumende vatsika madziro vachiti nyaya iyi izotongwazve rimwe zuva.

Dare rati nyaya iyi izonzwikwa musi wa 2 mwedzi unouya. Vanoona nezvemutemo muMDC, VaInnocent Gonese, vaudza Studio 7 kuti zvirikuitwa nehurumende hazvina kunaka uye hazvisi pamutemo.

VaGonese vati VaHwende vakasungwa musi wa 6 Kurume gore rakapera asi varikuramba vachingonzi vadzoke kudare redzimhosva zvinoratidza kuti nyaya yavari kupomerwa ndeye manyepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro bato reMDC, pamwe chete nesangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions vari kupomera mapurisa mhosva yekuvarambidza kuita misangano yavo munyika.

Izvi zvinotevera kurambidzwa kwemutevedzeri wasachigaro webato reMDC, VaJob Sikhala, kuita musangano nevanhu vavanomirira kuZengeza West uye kurambidzwa kweZCTU kuita musango nenhengo dzaro kwaMutare nemusi weChitatu.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti mapurisa haana simba rekubvumidza kana kurambidza misangano.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG