Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Ofa neCovid-19 kuMatabeleland North


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland North zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera hwave chiuru chimwe chete nemazana mashanu ane makumi maviri kana kuti 1, 520.

Vanhu vana vakabatwa nechirwere ichi zvasiyawo vanhu vabatwa nacho vave zviuru makumi matatu nematanhatu zvine mazana masere nemakumi maviri nevaviri kana kuti 36, 822.

Vanhu makumi maviri nevasere vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vanhu vapora vave zviuru zvitatu nezvina zvine mazana matanhatu nevatatu kana kuti 34, 603. Vanhu vachiri kurwara vave mazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 699. Pavanhu vachiri kurwara ava, makumi maviri nevaviri ndivo vari muzvipatara.

Huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba hwave hwawedzera zvakanyanya mumazuva mashoma adarika, nemusi weSvondo vanhu zviuru zvitatu nemakumi mana nevashanu kana kuti 3045 vakabayiwa nhomba.

Vanhu vabayiwa nhomba kekutanga chakapinda munyika kubva kuChina vave zviuru makumi matanhatu nemasere zvine mazana mashanu negumi nemumwe kana kuti 68, 511. Nhomba iyi inobayiwa kaviri. Vabayiwa vanodarika zviuru gumi.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 achibva kusangano reAfrica Centers for Disease Control anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni mana kana kuti 4 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vadarika zviuru zana negumi nechimwe zvine zviuru mazana manomwe kana kuti 111, 700.

Vanhu vapora vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe kana kuti 3,7 million.

Tichiri panyaya iyi, John Hopkins yemuAmerica iri kuongorora nezvechirwere cheCovid-19 pasi rose inoti vanhu vanosvika mamiriyoni zana rine makumi maviri nemanomwe kuti 127, 8 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose.

Vanhu vafa nechirwere ichi vadarika mamironiyi maviri nezviuru mazana manomwe kana kuti 2, 7 million. Vapora pasi rose vanodarika mamiriyoni zviuru makumi manomwe nezviviri kana kuti 72 million.

MuAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi pasi rose.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi mana nepfumbamwe kana kuti 549, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi matatu kana kuti 30 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG