Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Ofa neChirwere cheCovid-19


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChipiri zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 4691.

Vanhu makumi matatu nevanomwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 kusanganisira vana vechikoro vaviri kuManicaland vakabatwa nechirwere ichi neChipiri chakare.

Izvi zvasiya vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu zvine mazana maviri nemakumi mana nemaviri kana kuti 133 242. Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi matanhatu nechimwe zvine mazana masere nemakumi masere nemanomwe kana kuti 2 661 887.

Vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nemaviri kana kuti 3 393 972. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG