Accessibility links

Breaking News

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeCOPAC, Inoti vawana zvimwe zvinhu zvakanga zvamboshaika apo vakanga vari muhusungwa.


Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, anoti vawana zvimwe zvinhu zvakanga zvamboshaika apo vakanga vari muhusungwa.

Va Douglas Mwonzora ve MDC-T vanoti pfungwa dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, dzakamboshaikwa padzakanga dziri mwedzi wapera, izvo zvakaita kuti dzisaiswe pakanga paiswa pfungwa dzakabva muvanhu muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMwonzora kuti tinzwe zviri kuitika.

XS
SM
MD
LG