Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kushora zvikuru vebazi rezvekuchengetedzwa kwevasungwa reZimbabwe Prisons and Correctional Services nekuda kumisa basa mumwe mujeregadhi achipomerwa mhosva yekutsigira bato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinotungamirwa naVaNelson Chamisa.
Bazi remajeri reZimbabwe Prisons rakanyorera masamanisi kuna VaJohn Mahlabera vanoshanda kujeri reChiredzi kuMasvingo kuti vauye kuzotongwa musi wa 12 Chikumi vachipomerwa mhosva yekutyora chikamu chechitatu chemutemo yekushanda kwevanochengetedza vasungwa kana kuti Section 3(1) of the Prison (Sfaff) (Discipline) Regulations1984.
VaMahlabera vari kupomerwa mhosva yekunyora mashoko patwitter vachiti “Huyai kuChiredzi mutungamiri wenyika” kana kuti “Come to Chiredzi my president”. Vebazi rezvekuchengetedzwa kwevasungwa vanoti mashoko aya akanyorwa mushure mekunge VaChamisa vaita musangano kuJerera Growth Point, kuZaka kuMasvingo. VeZimbabwe Prisons vanoti mashoko aya aizvidza zvikuru mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye VaMahlabera havana kodzero zvachose yekunyora sezvavakaita izvi.
Vanhu vana vari kutarisirwa kupa huchapupu vachiroverera VaMahlabera mhosva uye dare richagara kuMasvingo kutonga nyaya yavo. VaMahlabera vanenge vachimirirwa naVaCollen Maboka uye VaBlessing Nyamaropa vanova nhengo dzeZimbabwe Lawyers for Human Rights. VaMaboke vanoti havaone mhosva yakaparwa naVaMahlabera.
Mashoko aya atsinhirwa nerimwe gweta remuMasvingo VaAmen Mafa vanoti bumbiro remutemo harirambidze vashandi vehurumende kutsigira bato ravanoda.
Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti kubva muna 2010 vanhu vanodarika mazana maviri vakasungwa nekunenerwa mhosva dzekuzvidza mutungamiri wenyika.
Facebook Forum