Accessibility links

Breaking News

Mumwe Munhu Ofa neChirwere cheCovid-19 kuBulawayo


Bazi rezvehutano rinoti neMugovera kuBulawayo kwakafa munhu mumwe chete nechirwere cheCovid-19 zvinoreva kuti varasikirwa nehupenyu nekuda kwechirwere ichi nyika yose vasvika mazana maviri ane makumi matatu kana kuti 230.

Harare ndiyo ine vanhu vakawandisa varasikirwa nechirwere ichi munyika yose, Masvingo iine vanhu vashoma vafa pamatunhu ose.

NeMugovera vanhu gumi nevatanhatu vasina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika vakabatwawo nechirwere ichi. Vabatwa nechirwere ichi nyika yose vave zviuru masere negumi kana kuti 8010.

Pavanhu ava, vapora vanosvika zviuru zvitanhatu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 6, 492. Izvi zvinotevera kupora kwevamwe vanhu gumi nevasere neMugovera.

Vanhu vachiri kurwara nechirwere ichi vave chiuru chimwe chete nemazana maviri ane makumi masere nevasere kana kuti 1,288. Huwandu hwatazivisa uhu, hunogona kukwira nhasi manheru, apo hurumende ichazivisa zvayawana kubva muongororo dzaitwa nhasi.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu kana kuti 1, 5 million vabatwa nechirwere ichi muAfrica. Vafa vasvika zviuru makumi matatu nezvisere zvine zana nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 38, 196.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere iuchi muAfrica. Vabatwa nechirwere ichi vadarika zviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nerimwe kana kuti 691, 000.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi inoti pasi rose vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika mamiriyoni makumi matatu nemanomwe, kana kuti vadarika 37 million. Vanhu vafa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete. America ndiyo nyika ine vanhu vakawandisa vafa nekubatwa nechirwere ichi.

Vanhu abatwa nechirwere ichi muAmerica vadarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe, kana kuti vadarika 7, 7 million.

Vanhu vafa nechirwere ichi mu America, vadarika zviuru mazana maviri negumi nezvina, kana kuti 214 000. Dzimwe nyika dzine vanhu vakawandisa vafa nechirwe ichi dzinosanganisira Brazil, India, Mexico neBritain.

Ko chii chri kupa kuti muAfrica muve nevanhu vashoma vari kudarika kudarika dzimwe nyika? Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vaudza Studio 7 kuti chirwere icho chakazosvika muAfrica ruzivo rwawedzera nezvechirwere ichi uyewo muAfrica mune vechidiki vakawanda. Chirwere ichi chiri kuuraya vakwegura vakawanda.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG