Mumwe mudzimai Amai Shupikai Chitsina vakashaya musi wa 15 Nyamavhuvhu pedyo nemugodhi unodhuurwa matombo nekambani yelafarge papurazi repangoula pedyo neguta reharare mushure mekutemwa nedombo rainge radhuurwa nekambani yainge yapihwa basa neLafarge Cement.
Amai Chitsina avo vainge vari mumba mavo vakabva vashaya uye imwe hama yavo yakakuvara mushure mekutemwa nematombo aya.
Mumwe mukuru anoona nezvekudyidzana nevanhu mukambani iyi VaTawanda Njerere vaudza Studio 7 kuti itumire tsambambozha nemibvunzo vachivimbisa kuti vachapindura.
Asi hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi kana gurukota rezvezvicherwa VaWinston Chitando sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.
Mukuru wesangano reCentre for Natural Resources Governance VaFarai Maguwu vane vamwe musangano ravo vakashanyira mhuri yamuchakabvu Chitsina vanoti vari kushushikana nerufu urwu.
Facebook Forum