Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mudzimai Osiya Murume neVana Achinochengeta Vabereki Vainge Vabatwa neCovid-19


Mumwe mudzimai akaratidza hushing muHarare apo akasiya vana nemurume achienda kunochengeta vabereki vake vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Amai Constance Duchess Makoni, vanoti vakanogara kuKuwadzana 6 nevabereki vavo pamwe naambuya vavo, sezvo pakanga pasina munhu aikwanisa kuvachengeta panguva iyo zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka muzvipatara.

Amai Makoni, avo vakamboshanda semutori wenhau, vanoti mushure mekuona kuti vatatu aiva vainge vakabatwa nedzihwa rakasimba vakaronga kuvaendesa kuti vanovhenekwa kana vaine chirwere cheCovid-19, asi baba vavo vakaramba kuita izvi sezvo vaiita sevari nani. Asi vakazobatwa nehurwere zvakasimba.

Vanoti vakaedza kuendesa vatatu ava kuzvipatara, asi hapana chipatara chakada kuvatora. Vakayedzawo kutsvaga kutsvaga vakoti vanochengeta varwere vachigara navo pamba pavo, asi pavaingoziva kuti hurwere uhwu hwaiva hweCovid 19 vaibva varamba .

Mushure mekushaya vanhu vangabatsira vabereki vavo vanoti vakatora danho guru rokusiya murume wavo nevana kumba vachimocheneta vabereki vavo.

Vanoti pavaichengeta vatatu ava, havana kurara kwemazuva matatu aitevedzana, vachiita zvose zvavaiudzwa kuti vape varwere ava, zvaisanganisira kufashaidza mvura yokunatira nezvimwe, uye ivo vachigara kugara vakageza maoko avo nguva dzose, ukuwo vakapfeka mamasiki nguva dzose.

Amai Makoni vanoti mbuya vavo, avo vaiva nemakore makumi masere nerimwe ekuberekwa, vakazoshaya mushure memazuva manomwe, chinova chinhu chakavarwadza zvikuru.

Vakambove gurukota rezvehutano kwemakore akawanda, Dr David Parirenyatwa, vanoti vanoyemura zvikuru hushingi hwaAmai Makoni vachiti vashoma vanhu vanokwanisa kuzvipira kubatsira varwere veCovid 19.

Dr Parirenyatwa vanoti sezvo Covid 19 ichinyanya kubata mapapu, kunatira kunofanirwa kuitwa katatu pazuva kuitira kuti dzihwa rinobva kumhino, risadzike zvokunovhara tsinga dzinofamba nemweya unoenda kumapapu.

Mutevedzeri wemukuru anoona nazvematenda asingatapuriranwe mubazi rezvehutano, Dr Justice Mudavanhu, vanoti vari kunyanya kufa pasi rose nechirwere ichi, vanhu vakwegura vane matenda eshuga nezvirwere zvemoyo.

Dr Mudavanhu vanoti Covid 19 hairapike uye vakapa muenzaniso wezvinhu zvekutarisira kumunhu anenge abatwa nechirwere cheCovid 19 zvinenge kupisa muviri, chikosoro chakaoma nekutadza kufema zvakanaka.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:09:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG