Accessibility links

Breaking News

Mumwe Chiremba Odzidzisa Vanhu neZvekubatsira paTsaona dzeMumugwagwa.


Nguva yezororo rekisimusi inguva inoitika tsaona dzemumigwagwa dzakawanda sezvo vanhu vakawanda vanenge vachifamba vachienda kunzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Chiremba vanoshanda paChinhoyi Mall Medical Centre, Dr Josephat Chiripayanga, vanoti kana tsaona yaitika, vanhu vanofanirwa kufonera amburenzi sezvo dzinenge dziine vanhu vane ruzivo rwekubata vanhu vanenge vatyoka mitezo yavo mutsaona.

Dr Chiripanyanga vanoti kana amburenzi isati yasvika, vanhu vanofanirwa kusunga patyoka gumbo kana ruoko kuitira kuti ropa rakawanda risarasike.

Chiremba ava vanotiwo kana paine vanhu vanenge vafenda mushure metsaona, vanhu ava vanofanirwa kurariswa nedivi rekuruboshwe kuitira kuti munhu akuvara asadzipwa nemarutsi kana neropa rake.

Dr Chiripanyanga vanotiwo zvakakosha kuti vatyairi vasanwa doro rakawandisa sezvo zvichikanganisa kufunga nekuona zvakanaka kwemutyairi, izvo zvinozokonzera tsaona mumigwagwa.

Kana munhu achinge achinanwa doro, Dr Chiripanyanga vanoti mutyairi haafanirwe kupfuura mapaindi maviri edoro remubhodhoro, kuitira kuti asakonzeresa tsaona mumigwagwa.

Dr Chiripanyanga vanoti kutora zvinodhaka kunogonawo kukonzera kuti mutyairi akotsire ozopepuka atopinda munjodzi.

Chiremba ava vanoti kune vanhu vane dambudziko rekugara vakadhakwa, izvo vanoti chirwere chinofanirwa kurapwa.

Dr Chiripanyanga vanoti vanhu vose vanokwira dzimotokari vanofanira kuzvisunga nemabhandi ezvigaro zvemumotokari, uye motokari dzacho dzinofanira kunge dziine mvumo yekufamba pamigwagwa.

Tsvagurudzo yakaitwa nesangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe inoratidza kuti tsaona zhinji dzinoitika mumigwagwa, dzinokonzerwa nevatyairi vanenge vachityora mitemo yemumigwagwa.

Gore rakapfuura, vanhu zana nemakumi matatu nevatanhatu, vakafa mutsaona dzemumigwagwa muZimbabwe yose kubva mutsaona chiuru nemazana mana dzakaitika pakati pa15 Zvita 2017 na 1 Ndira, 2018.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG