Accessibility links

Mumiriri weAmerica VaRay Votadziswa Kuita Musangano neVatsigiri veZanu-PF

  • Blessing Zulu

Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaCharles Ray neChitatu vakadziviswa kuita musangano nevatsigiri veZanu-PF. VaRay vaida kuita musangano nevechidiki vemasangano akazvimirira oga mumusha weKwekwe.

Vechidiki ava vanonzi vaitungamirwa naVaOwen Ncube vanova munyori wezvekuchengetedzwa kwedunhu reMidlands uye vachinzi vari pedyo pedyo negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaEmmerson Mnangagwa. Vatsigiri veZanu-PF ava vanonzi vaiimba nziyo dzeChimurenga uye kunyomba VaRay.

Mutori wenhau weNewsday Blessed Mhlanga uyo akaenda kutora mifananidzo yezvaiitika akabva ambotorwa nemapurisa ndokunzi adzime mifananidzo yaainge atora. Musangano uyu wakabva watadzwa kuitwa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissoner Wayne Bvudzijena vati havana ruzivo nezvejambanja rakaitika kuKwekwe.

Vataura vakamirira muzinda weAmerica muHarare VaAndrew Posner vashora zvikuru zvakaitwa nemapurisa.

Asi VaMnangagwa vaudzawo Studio 7 kuti havatombozive nezvekuratidzira uku. Mumwe wavainge varonga musangano uyu vachimirirra Youth Agenda muKwekwe VaSearchmore Muringani kuti tinzwe zvakaitika.

XS
SM
MD
LG