Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weAmerica muZimbabwe Obatsira Vari Kuita Mabasa eMaoko muNyika


VaBrian Nichols
VaBrian Nichols

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols vanoti vanhu vemuZimbabwe vari kutambura zvakanyanya uye America icharamba ichitsigira vanhu ava nezvirongwa zvinoita kuti vave neraramo yakanaka.

VaNichols vakataura mashoko aya nemusi weChitatu apo vange varikupa rubatsiro rwezviuru mazana matatu nemakumi manonwe zvemadhora ($370 000) kumasangano gumi nemanomwe kubva kumatunhu mapfumbamwe munyika pasi pehomwe yavo yeAmbassador’s Special Self Help Fund.

Ambassador Nichols vakati kubatsira masangano aya nemari kunoita kuti akwanise kuita mabasa anovawanisa mari kuti vakwAnise kusimudzira magariro avo.

Vati vakaona zvakakodzera kubatsira masangano aya nemari vachiti izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kuti masangano aya nenhengo dzawo asimukire.

Nhengo yesangano reTariro Youth Development Trust yekuZaka iro rawana zviuru gumi zvemadhora VaSamson Muzenda, vati vachashandisa mari yavakapihwa kuvandudza mabasa avo.,

Mukuru wesangano reLocal Initiatives and Development Agency rekuZvishavane, VaPascal Manyakaidze, vatiwo zviuru gumi nezvishanu zvemadhora zvavawana nhasi zvichabatsira kusimudzira mabhizimisi madiki avari kuita munharaunda yavo.

Sangano iri rinotsigira mabhizimisi akaita sekuchengeta nyuchi, kuchengeta huku pamwe nekutsvagira vanhu misika yekutengesa huchi, huku nezvimwe zvavanenge vagadzira.

Rimwewo sangano rawana mari nhasi reCitizen Participation Trust rekuMarondera rine magadheni ekurima miriwo nezvimwe zvekubatsira vechidiki nevanhu vanoramarama nehutachiwna hweHIV/AIDS.

Imwe nhengo yesangano iri, VaUpenyu Muteyo, vaudza Studio 7 kuti mari iyi ichabatsira zvakanyanya mukusimudzira hupenyu hwenhengo dzesangano ravo.

Mamwe masangano awana mari nhasi anosanganisira, Trace the Fortune of the Elderly neMakokoba Development Trust dzekuBulawayo, ZUBO Trust yekuBinga, Mudzi Orphans Development Trust, Prisoners Enterpreneurial Development Trust, Goal Zimbabwe neLegal Resources Foundation iyo yapihwa zviuru mazana maviri zvemadhora.

Homwe yaAmbassador’s Special Self Help Fund yabatsira vanhu vemuZimbamwe nemari inodarika mamiriyoni maviri mukati memakore gumi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG