WASHINGTON DC —
Mumiriri mutsva weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vasangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachizvipira zviri pamutemo.
VaWharton vanoti vachivimbisa VaMugabe kushanda nesimba mukugadzirisa kudyidzana pakati penyika yavo neZimbabwe.
Mugwaro ravaburitsa mushure mekusangana naVaMugabe, VaWharton vati vari kutsigira hukama hwakanaka pakati peZimbabwe neAmerica.
Vati vachateerera zvido zvezvizvarwa zveZimbabwe uye kudzidza zvakawanda pane zviri kuitika muZimbabwe, vozopawo pfungwa dzavo pane zviri kuitika munyika.
VaWharton vakamboshanda muZimbabwe vari mukuru mubazi remuzinda weAmerica rinoona nezvekudyidzana neveruzhinji.
Nyanzvi inoongorora zvematongero enyika uye vachidzidizsa kuHuddersfield University muBritain, Va Nkululeko Sibanda, vanoti kudyidzana pakati peZimbabwe neAmerica kungagadziriswa kana Zimbabwe ikakoshesa kodzero dzevanhu.