Accessibility links

Breaking News

Mukombe we2010 World Cup Unopfuura nemuZimbabwe


Mukombe weFIFA World Cup 2010 uri kutarisirwa kusvika munyika China manheru apo uchatambirwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanove munhu mumwe chete anobvumidzwa kubata mukombe uyu pauchange uri munyika, kusvikira Chishanu apo uchaendeswa kuMalawi.

Mukombe uyu unofanirwa kupfuura nemunyaika dzakasiyana siyana usati wasvika mu South Africa, uko kuri kuitirwa makwikwi e2010 World Cup. Gurokota rezvekushanya kwevanhu munyika, Va Walter Mzembi, vanoti Zimbabwe ichashandisa chiitiko ichi kukwezva vashanyi vachange vachiuya kumakwikwi eWorld Cup 2010 nokuti mukombe uyu uchange uchionekwa nevanhu vakawanda padzinhepfenyuro pasi rose.

XS
SM
MD
LG