Accessibility links

Breaking News

Muimbi AneMukurumbira Oliver Mtukudzi Oremekedzwa neHurumende


Muimbi ane mukurumbira Oliver Mtukudzi akadomwa nekambani yeZimbabwe Tourism Authority kuti apihwe ruremekedzo nehurumende rwekuti ave mumiriri weZimbabwe munyaya dzekushanyirwa kwenyika kana kuti tourism ambassador.

Ruremeredzo urwu rwuchaita kuti "Tuku" apihwe gwaro rekufambisa dzvuku kana kuti diplomatic passport, iyo inopiwa vamiriri weZimbabwe kune dzimwe nyika. kambani yeZTA inoti yakaona zvakakodzera kuti Mtukudzi apiwe ruremekedzo urwu kuburikidza nemabasa aanoita munyaya dzemimhanzi.

Manager waMtukudzi, VaSam Mataure vati ruremekedzo urwu rwafadza ruzhinji rwenyika uye vanotarisira kuti rwuchange rwuchipihwawo kune vamwe vari kuita mabasa ano simudzira mureza wenyika.

XS
SM
MD
LG