Accessibility links

Breaking News

Oliver Mtukudzi Oimba kuSouth Africa neBritain Achirangarira Mwana Wake


Muimbi ane mukurumbira pasi rose, Oliver Mtukudzi, uyo akarasikirwa nemwanakomana wake Samson nemusi weMuvhuro, anoti achaenderera mberi nemashoo avo kutanga musi wa 26 Kurume.

Maneja waMtukudzi, VaSam Mataure, vanoti Mtukudzi achaita mashoo gumi mu South Africa nekuBritain. Vati mashoo aya achashandiswa senzira yekurangarira Sam neshamwari yake, Owen Chimhare.

Sam naOwen vakafa mutsaona yemotokari nemuvhuro, vakavigwa ku Warren Hills muHarare neChitatu marinda avo akatevedzana.

Vanhu vakawanda vari kunyorera Studio7 vachitumira mashoko enyaradzo kumhuri yekwaMtukudzi.

Mumwe munyori anoti … “ zvinorwadza, zvinobaya moyo …. baba namai mtukudzi … mwanakomana wenyu azorora…..mwari aona zvakakodzera.

Mumwe munyori anotiwo: "Homeboy Sam, rest in peace. Baba naAmai Mtukudzi … chemai muine tariro … Mwari aneni. Tarasikirwa zvakanyanya … Sam and Owen … rest in peace."

VaMataure vanoti vanhu vachatorawo mukana uyu kubata Mtukudzi maoko, sezvo vanhu vakawanda vasina kukwanisa kuuya kuzobata maoko mhuri yekwaMtukudzi.

XS
SM
MD
LG