Accessibility links

Breaking News

Muhurumende Votadza Kuwirirana Pamusoro Pamari Yemangoda Ekwa Marange


Gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vanoti mari yemangoda haisi kuuya muhomwe yavo uye hazvishamise kuti vashandi vehurumende vangomuke vachiona vasina mari kumabhanga

Muhurumende muchiri kunetsanwa zvakanyanyaya nemari yemangoda ekwaMarange. Mutevedzeri wegurukota rezvezviwanikwa Va Gift Chimanikire vakaudza dare reparamende kuti hurumende iri kunyatsoburitsa pachena mashandiro emari yekwaMarange.

Asi gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vanoti mari yemangoda haisi kuuya muhomwe yavo uye hazvishamise kuti vashandi vehurumende vangomuke vachiona vasina mari kumabhanga.

Mashoko aVa Chimanikire ekuti mari iri kufambiswa zvakanaka atsinhirwawo negurukota rezvemigodhi Va Obert Mpofu.

VaGodwills Masimirembwa vanova mutungamiri weZimbabwe Mining Development Corporation vatiwo mari yekupa vashandi vehurumende iripo.

Va Masimirembwa vati mangoda azere mu Zimbabwe uye anokwanisa kusimudzira Zimbabwe zvikuru dai zvisiri zvirango zvakatemerwa nyika nenyika dzakaita se America, Europe, New Zealand ne Australia.

XS
SM
MD
LG