Accessibility links

Breaking News

Hama dzaVaMugabe Dzodyira Marasha VaMnangagwa


Mugabe Banner Shona
Mugabe Banner Shona

Hama dzevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakashaya nezuro kuSingapore kwavanga vachirapwa, vanoti havafi vakaregerera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nepamusana pemabvisiro avakaita VaMugabe pachigaro.

Pamusha paVaMugabe, uyo uri pedyo nechikoro cheKutama Mission, pange paine vanhu vangangosvika makumi mashanu vanosanganisira vehukama vanoti; VaWalter Chidhakwa, VaAlbert Mugabe naVaLeo Mugabe, pamwe nevashandi vaVaMugabe.

Vanozviti Tete vaVaMugabe, Ambuya Josephine Jarija, vanoti vabayiwa panyama nhete nerufu rwaVaMugabe.

Ambuya Jarija vanoti mhuri yekwaMugabe haina kufara nemabvisirwo akaitwa hama yavo pachigaro naVaMnangagwa.

Mumwe mushandi waVaMugabe kwemakore makumi matatu, VaRabson Chikati, vanoti vari kurwadziwa zvikuru vachiti vanga vasingafungire kuti VaMugabe vangafe pari zvino, sezvo vagara vachienda kunorapwa, asi vachidzoka vapora.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaIsrael Nyandoro, munin’ina weimwe nhengo yakavamba bato reZanu PF, VaGeorge Nyandoro, avo vakashanda naVaMugabe kwenguva yakareba, vanoti mhuri yavo iri kuchema nevamwe nekurasikirwa naVaMugabe avo vati vakarwira rusununguko rwenyika.

VaNyandoro vanoti kunyange hazvo VaMugabe vakambotadzawo mukutonga kwavo, hapana munhu anogona zvose mukurarama kwake.

Mumwe wechidiki, VaAndrew Mwayera, vanoti varasikirwa zvikuru nekufa kwaVaMugabe vachiti panofanirwa kuitwa horodhi kuti vacheme VaMugabe sezvo riri gamba reAfrica yose.

VaMnangagwa vakaudza vatori venhau kuti VaMugabe vapihwa ruremekedzo rwegamba renyika.

Muzukuru waVaMugabe, VaLeo Mugabe, vanoti vakamirira hurumende kuti ivazivise nezvehurongwa hwekuvigwa kwemutumbi wemufi.

VaMugabe avo vakabviswa pachigaro nechisimba nemauto achitungamirwa nevaive mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, muna Mbudzi 2017, vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu.

VaMugabe vasiya mudzimai, Amai Grace Mugabe, nevana vatatu, Amai Bona Mugabe Chikore, Robert Junior, naBellarmine Chatunga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG