Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Vosangana neMuvhuro VaNcube Vasipo


VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara
VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara
Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vasvitsa gwaro rezviri kudiwa neZanu PF kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara.

VaMugabe vanonzi vapa VaTsvangirai naVaMutambara gwaro iri pamusangano wevatungamiri wemapato ari muhurumende yemubatanidzwa unoitwa neMuvhuro wega-wega.

Izvi zvaziviswa negurukota rezvemari, uye varivo mutungamiri wenhaurirano dzemuchibvumirano chezvematongerwo enyika muMDC-T, VaTendai Biti, pamusangano wavaita nevafundisi vedzisvondo warongwa nesangano re Crisis in Zimbabwe Coalition.

Danho ratorwa naVaMugabe iri rinotevera kuramba kwakaita bato ravo kuti gwaro rebumbiro remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa neCOPAC riendeswe kureferendamu sezvariri uku mapato maviri eMDC achiti ari kugutsikana nezviri mugwaro iri.

Va Biti vati Zanu PF haisi kuda zvinhu zvakawanda zviri mugwaro rebumbiro zvinosanganisira kuti munyika muve nedare redzimhosva rinowona nezvekutyorwa kwebumbiro remitemo kana kuti Constitutional Court nezvimwe .

Musangano wevatungamiri venyika dzemu SADC wakaitirwa muguta guru re Mozambique reMaputo wakabuda nechisungo chekuti mapato ari muhurumende ashande pamwe chete kuitira kuti bumbiro remitemo ripedzwe kunyorwa kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Komiti yeSADC inowona nezvematongerwo enyika, runyararo pamwe nekuchengetedzeka mudunhu yakacherechedza mutungamiri werimwe bato reMDC, Va Welshman Ncube, semunhu anomirira bato riri muhurumende yemubatanidzwa zvichitevera kuramba kwakaita mutongigava pagakava re Zimbabwe, vari zvakare mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kusangana naVaMutambara.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC yaVa Ncube, Va Kurauone Chihwayi, vati mutungamiri wavo haana kukokwa kumusangano waitwa naVaMugabe naVaTsvangirai ukapindwawo naVaMutambara.

VaChihwayi vati vachashandisa nzira dzakawanda dzichaita kuti VaMugabe naVaTsvangirai vamanikidzwe kucherechedza Va Ncube.

VaMugabe vakamboti havasi kuzogadza VaNcube kusvika nyaya yekusarudzwa kwavo iri mumatare yapera. Asi pane mimwe mitongo yakaturwa nematare yakakomekedza VaMutambara kusashandisa zita reMDC.
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG