Accessibility links

Breaking News

Ishe Katizagombo Vanoti VaMugabe Vachavigwa kuHeroes Acre


Zimbabwe Heroes Acre

Ishe wedzinza rekwaMugabe, Ishe Katizagombo, vanoti mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ucharadzikwa kuHeroes Acre mushure mekunge wamboendeswa kwaZvimba kwaKutama, sezvinotarisirwa kuitwa pachivanhu.

Ishe Katizagombo vanoti sevabereki vemufi, vawirirana kuti mutumbi waVaMugabe uvigwe kumarinda emagamba sezvinotarisirwa kuitwa munhu anenge apihwa chiremera chegamba renyika.

Asi vanoti mutumbi uyu unogona kuvigwa nemusi weSvondo mushure mekunge wambosvika kwaKutama.

Zvinhu hazvina kunyatsojeka mumhuri yekwaMugabe sezvo muzukuru mukuru waVaMugabe, VaLeo Mugabe, vari kuburitsa mashoko ari kupesana naIshe Katizagomo, dzimwe nguva vachitaura mashoko anopesana nezvavanenge vambotaura.

VaLeo Mugabe vanoti mutumbi wasekuru vavo uchavigwa nemhuri chete, kwete pasi pehurongwa hwehurumende sezvinoitwa magamba enyika.

VaLeo Mugabe vatiwo mutumbi waVaMugabe uchavigwa mushure memazuva akati kuti, izvo zviri kupesana nemashoko aIshe Katizagombo.

Asi pose panenge pachitaura VaLeo Mugabe vanga vachingoti vanoda kutanga vanzwa kubva kumadzishe ekwaZvimba, ayo anonzi ndiwo anopa zvisungo zvese maererano nekuvigwa kwaVaMugabe.

Gamba renyika ruremekedzo rwepamusorosoro rwunopihwa munhu anenge akaita mabasa akaomarara zvikuru mukusunungura nyika, kana kuita mabasa akafadza munhu wese munyika, pamwe nekuita zvinhu zvinorumbidzwa nenyika yose.

Munhu anenge apihwa ruremekedzo rwegamba renyika anotarisirwa kuvigwa pamarinda emagamba enyika muHarare pasi pehurongwa hunenge huchitungamirwa nehurumende.

Asi dzimwe nguva mhuri dzemufi dzinogona kuti mutumbi wehama yadzo unovigirwa kumusha kwake, kwete pa Heroes Acre.

VaMugabe vakashaya vari kuSingapore svondo rapera nemusi weChishanu mushure mekurwara kwenguva yakareba.

Vakaenda kunorapwa kunyika iyi muna Kubvumbi.

VaMugabe vakashaya vava nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu, uye vasiya mudzimai, Amai Grace Mugabe, vana vatatu; Amai Bona Mugabe Chikore, Robert Junior, na Chatunga Bellarmine.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG