Accessibility links

Breaking News

Vana Vanodarika Makumi Mana Vanofa neChirwere cheMoyo Munguva yeCovid-19


FILE - An undated picture show surgeons during a pacemaker implantation in the new hybrid operation theater of the Department of Congenital Heart Disease and Pediatric Cardiology at the German Heart Institute Berlin (DHZB) in Berlin, Germany.

Vana vanodarika makumi mana vanonzi vakafa nechirwere chemoyo sezvo vakakundikana kuenda kunorapwa kuItaly nekuda kwedambudziko reCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kukurudzira hurumende kuti ibatsire vabereki vevana vane dambudziko iri kuitira kuti vakwanise kunorapisa vana vavo kuIndia uko kunonzi kwakachipa.

Mukuru wesangano reBrave Little Hearts, iro rinomirira mhuri dzine vana vakazvarwa vaine maburi pamoyo, kana kuti Congenital Heart Disease, Amai Tendai Moyo, vati vana vanodarika makumi mana vakashaya nechirwere ichi kubva pakatanga kuvharwa nyika gore rapera nepamusana pedenda reCovid 19.

Amai Moyo vati kunyange hazvo vasingazive huwandu hwevana vane dambudziko iri munyika yose, sangano ravo rine vana vanodarika zana vane maburi pamoyo yavo, uye vana ava vanoda rubatsiro rwechimbi chimbi.

Amai Moyo vatiwo pane vana vakamirira kuti vanorapwa kuIndia, uye vari kukurudzira makambani kuti abatsirewo nechikafu chevana ava nemishonga sezvo vabereki vazhinji vevana ava vasina mari yekutenga zvinodiwa izvi.

Amai Moyo vati chinhu chinorwadza zvikuru kushaikirwa nemwana mudiki iwe mubereki usina zvikwanisiro zvekubatsira mwana wako.

Vatiwo sangano ravo rine nyanzvi dzinobatsira vabereki vakadai kuitira kuti vatambire chokwadi chekushaya kwevana vavo kuburikidza nedenda iri.

Amai Moyo vatiwo vanodzidzisa vabereki vevana ava nezvemishonga nechikafu chinofanirwa kupihwa vana ava munguva yeurwere.

Mumwe wemadzimai ane mwana ane denda iri, Amai Sakina Mkandawire, vati vasvika pakugumirwa nepfungwa nokuti mwana wavo, uyo ane gore rimwe chete, ave kutadza kufema nekuzarirwa zvokuti vave kutopemha mari kuruzhinji kuitira kuti vakwanise kunorapisa mwana uyu kuIndia.

Amai Moyo vati vanofara chose kuti mutevedzeri webazi rehutano, Dr John Mangwiro, vakanzwa chichemo chavo uye vakakwanisa kuendesa mwana mumwe chete wekuBulawayo kunorapwa kuIndia achibatsirwa nesangano reCIMAS.

Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna Dr Mangwiro sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo. Dr Mangwiro havanawo kupindura mibvunzo yatavatumira kuti tinzwe divi rehurumende panyaya dzevana ava.

Studio7 hainawo kukwanisa kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Chirongwa chekuendesa vana vemuZimbabwe kuItaly kwavainovharwa maburi epamoyo nenyanzvi dzezvirwere zvemoyo, icho chakatangwa pachipatara cheAll Souls Mission kwaMutoko, chakamiswa gore rapera nekuda kweCovid-19.

Italy imwe yenyika dzakavhiringwa zvakanyanya neCovid-19.

Johns Hopkins University inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mana nezviuru mazana matanhatu vakabatwa neCovid-19 muItaly, uye chirwere ichi chauraya vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi matatu nechimwe, kana kuti vanodarika 131,000.

Mukuru weAll Souls Mission Hospital, Dr Massimo Migani, vati vanotarisira kuti chirongwa ichi chichasimudzirwa kupera kwegore rino kana kutanga kwegore rinouya.

Amai Tendai Moyo vati vakaumba sangano reBrave Little Hearts mushure mekushaikirwa nemwana wavo aiva neburi pamoyo.

Sangano ravo rinounganidza vabereki vane vana vane denda iri kuitira kuti vapangane mazano pamwe nekushingisana.

Amai Moyo vati sezvo chirongwa chekuItaly chakambomiswa, vari kukurudzira kuti vana ava vanorapwa kuIndia uko vanoti kwakachipa uye kuri kuendeka munguva ino yeCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG