Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanobatwa neChirwere cheCovid-19 paMasvingo Teachers College


FILE - People queue to recieve COVID-19 vaccinations at a clinic in Harare, Zimbabwe, July 8, 2021.

Vanhu makumi manomwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 paMasvingo Teachers College nezuro, uye vamwe vanhu vatanhatu vakabatwa nechirwere ichi mudunhu rose reMasvingo.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vakabatwa nechirwere ichi kuMasvingo chete pavanhu makumi masere nevaviri.

Dunhu reMasvingo ndiro rine vanhu vakawanduswa vakabatwa nechirwere ichi nezuro munyika yose, zvihitevera kubatwa kwevanhu mazana maviri nemakumi matatu nevashanu.

Mutauriri weMasvingo Provinvial Covid-19 Taskforce, VaRodgers Irimayi,
vaudza Studio 7 kuti huwandu hwevanhu vepaMasvingo Teachers College vakabatwa neCovid-19hunogona kukwiraz nhasi sezvo vamwe
vadzidzi vachiri kuongorowa pachikoro ichi.

Mukuru wechikoro cheMasvingo Teachers College, VaBenson Mutambudzi, varamba kutaura nevatori venhau kuti tinzwe matanho avari kutora, vachiti izvi zviri pasi pebazi rezveutano.

Asi VaIrimayi vati hurumende iri kubatsira chikoro ichi kubudikidza
nebazi rezvehutano kuisa nzvimbo yekuti vanenge vabatwa vagare voga uye pasawane anobuda kana kupinda muchikoro ichi, icho chambomisa zvidzidzo.

Mugari wemudhorobha reMasvingo, Amai Joyce Mhungu, vati nyaya yedenda riri pachikoro ichi riri kuvashaisa hope sezvo vadzidzi
vazhinji nevashandi vepachikoro ichi vachigara navo munzvimbo
dzinogara veruzhinji nekudaro vanogona kutapurirwa chirwere ichi.

VaIrimayi vati hurumende haisati yazivisa kuti mhando iri pachikoro
ichi ndeipi sezvo vakamirira kuudzwa nana mazvikokota avo vakaendesa
kuHarare kuti iwongoreorwe.

Bazi rezvehutana rakazivisa kuti munhu mumwe chete akafa nedenda iri nezuro izvo zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana manonomwe nevatanhatu, 4 706.

Kusvika mukupera kwezuva nezuro, vanhu vakabatwa nechirwere ichi vainge vava zviuru zana nemakumi matatu nezvina nemazana
maviri nemakumi maviri nevatanhatu (134,226).

Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga munyika vave mamiriyoni matatu ane
zviuru mazana manomwe nemakumi masere nechimwe nezana rine makumi masere nevatanhatu (3 781 18.

Vabayiwa nhomba yechipiri vave mamiriyoni maviri ane zviuru mazana
masere nezvina nemazana mana ane makumi matanhatu nevashanu (2 804 465).

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti inoda kubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG