Accessibility links

Vanotenga Mari paMukoti Voramba Vachiita Izvi Zvisineyi Kuti Pave neMutemo Unovarambidza

  • Arthur Chigoriwa

Kutengeserana Mari Pamukoto Hakuchabvumirwa.

Vanorararma nekutengesa mari muChinhoyi vanoti havasi kuzosiya basa ravo zvisineyi kuti hurumende yakadzika neChina mutemo unovarambidza kutengesa mari zvisiri pamutemo.

Nemusi weChishanu muChinhoyi, panzvimbo ye24Hour apo panozivikanwa nekuchinjwa kwemari zvisiri pamutemo, vanotengesa mari vanga vachingombeya mbeya vasina mari dzavanga vakabata sezvanosiita mazuva ose.

Asi ongororo yaitwa neStudio7 yaratidza pachena kuti vanotengesa mari ava vanga vachitengesa mari muchivande mudzimotokari dzavo kana dzeavo vanenge vauya kuzotenga mari.

Mumwe anotengesa mari pa24Hour, uyo ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti Monya Bee, anoti mutemo wakapasiswa haushande sezvo vacharamba vachitengesa mari muchivande.

Monya Bee ati mutemo haushande sezvo vakuru vemuhurumende vari ivo vanoisa mari pamusika mutema.

Monya Bee ati vachange vachishandisa nzira dzakawanda dzinosanganisira kuronga pekusangana nevatengi vemari vachishandisa nharembozha pamwe nekupanana mari pakahwanda.

Mumwe anotengesa mari, VaRichard Nhira, vanoti hurumende ndiyo iri kukonzereresa dambudziko rekushaikwa kwemari nekuti bhanga guru renyika rinotenga mari yekuAmerica sezvavakaita svondo rapera asi yopomera vanotengesa mari mumigwagwa.

VaTonderai Makayi vatiwo kuiswa kwemutemo kwakanaka asi sezvagara zvichizivikanwa, mutemo uchabata vashoma vasina vavanoziva uye vanenge vasina kubhadhara mari yechioko muhomwe.

VaMakayi vati vanotengesa mari mumigwagwa havasi ivo varidzi vemari zvichienzaniswa nehuwandu hwemari yavanenge vachitengesa.

Imwe nyanzvi yezvemari vachishanda vakazvimiririra, VaJohnson Takawira, vanoti mutemo haupedze dambudziko riripo sezvo vanotengesa vacharamba vachitengesa vachishandisa dzimwe nzira dzisinga zivikanwe nemapurisa.

Nyanzvi munyaya dzezvemari vachishanda neOld Mutual, VaEdmore Mazarura, vanoti mutemo haudzivirire kuparwa kwemhosva.

Hurumende inoti yakatora danho iri senzira yekumisa kutengeswa kwemari zviri kunze kwemutemo, ichiti izvi zviri kukonzera kuti madhora ekuAmerica ashaikwe mumabhanga.

Mutemo wakadzikwa neChina uchashanda kwemwedzi mitanhatu, uye kuti urambe uchishanda kudarika mwedzi mitanhatu, hurumende inofanirwa kupasisa mutemo uyu muparamende.

Munhu anosungwa nemutemo uyu anogona kupika mujeri kwemakore gumi.

Kusvika pari zvino nyika yanga isina mutemo unobata munhu anotengesa mari zvisiri pamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG