Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, Vanokunda Musarudzo yeMutungamiri weNyika


Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum
Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum

Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vanoti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, zvichitevera kuwana kwavaita mavhoti 2,460,463.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vawana mavhoti 2,147,436.

Asi MDC Alliance inoti haisi kutambira zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaChamisa vakakunda VaMnangagwa zvine mutsindo muHarare umo vakawana mavhoti 548,889 - VaMnangagwa vachiwana mavhoti 204,710.

VaMnangagwa vakundawo VaChamisa zvine mutsindo kuMashonaland Central uko vawana mavhoti anosvika 366,785 - VaChamisa vachiwana mavhoti 97,097.

Pane zvaburitswa, VaMnangagwa vari kutungamira nemavhoti 217,801.

Harare - Chamisa 548,889; VaMnangagwa 204,704.

Masvingo - Chamisa 171,196; VaMnangagwa 319,073

Mash East - Chamisa 189,024; VaMnangagwa 334,617

Mash Central - Chamisa 97,097; VaMnangagwa 366,785

Midlands - Chamisa 255,059; VaMnangagwa 350,754

Manicaland - Chamisa 296,429; VaMnangagwa 292,938

Bulawayo - Chamisa 144,107; VaMnangagwa 60;168

Mat North - Chamisa 137,611; VaMnangagwa 111,452

Mat South - Chamisa 90,292; VaMnangagwa 107,008

Mash West - Chamisa 217,732; VaMangagwa 312,958

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG