Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vanotambira Kusarudzwa Kwavo seMutungamiri weNyika


Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vakatambira zvakataurwa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, zvekuti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vachitaura nevatori venhau pamusangano wavaita muHarare, VaMnangagwa vati vamirira kugadzwa semutungamiri wenyika sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaMnangagwa vati vakazvipira kushanda vachisimudzira hupfumi hwenyika sezvo chinangwa chavo chiri chekuona kuti Zimbabwe itsva yazadzisa zvido zveveruzhinji.

Vati kana vachinge vagadzwa semutungamiri wenyika vachasarudza makurukota avanoona kuti anokwanisa kuita basa ravo nemazvo. Vatiwo dare ravo remakurukota richange riine vechidiki vanokwanisa kuita basa nemazvo.

Vachipindura mubvunzo wekuti vachabatana here nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, muhurumende yavo, VaMnangagwa vati zvavachaita zvichabuda pachena kana vachinge vagadzwa semutungamiri wenyika.

Zvichakadai, VaMnangagwa vakurudzira kuti munyika muve nerunyararo zvichitevera sarudzo dzakaitwa neMuvhuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG