Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanorumbidza Major General Mugoba Vachivaviga kuHeroes Acre


Zimbabwe Heroes Acre, Harare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaviga gamba renyika, Major General Trust Mugoba, vachiti kushaya kwavo, pamwe nekushaya kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kwasiya nyika yarasikirwa zvikuru.

Vachitaura pakuradzikwa kwaVaMugoba, VaMnangagwa vati nyika yakarasikirwa zvikuru svondo rapfuura apo pakashaya VaMugabe naVaMugoba musi mumwe chete.

Vati ndufu dzemagamba maviri aya dzinoita kuti veruzhinji varangarire hondo yerusununguko.

Vati VaMugoba munhu akakura muchiuto kubvira panguva yehondo uyewo zvichitevera rusununguko muna 1980, vakati izvi ndizvo zvaita kuti varadzikwe paHeroes Acre.

VaMnangagwa vati VaMugoba, avo vashaya vaine chigaro chepamusoro muchiuto kuAfrican Union kuEthopia, munhu aiziva kukosha kwerunyararo muAfrica uye zvakakosha kuti runyararo urwu ruchengetedzwe.

Vatendawo mauto nekuchentegedza runyararo munyika vachiti hurumende yavo haisi kuzorega vanhu vachiita zvavanoda kukanganisa runyararo nerusununguko hwakaunzwa nevanhu vakaita semushakabvu.

VaMnangagwa vati mutemo uchashandisa pane avo vanoda kukanganisa ruranyararo munyika.

Vati vanoziva kutambura kuri munyika nekuda kwezvirango zvakatemerwa nyika pamwe nezvirongwa zvekuvandudza uye vari kutora matanho ekugadzirisa izvi.

Mutevedzeri wemukuru wedare reSeneti, Retired Major General Mike Nyambuya, avo vakashanda nemushakabvu vati VaMugoba munhu aiziva nekuita basa rake nemazvo.

VaMugoba vakashaya vave nechinzvimbo chepamusoro mumauto eAfrica National Union kuEthopia. Vange vave nemakore makumi matanhatu ekuberekwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG