Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votungamira Zvisina Mutsindo Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Zimbabwe Electoral Commission yaburitsa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika mumatunhu mapfumbamwe.

Zvaburitswa neZec zvinoratidza kuti mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vari kutungamira kubva mumatunhu ane mavhoti akaverengwa, vachiteverwa nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

VaMnangagwa vava nemavhoti 2,147,505 - ukuwo VaChamisa vaine mavhoti 1, 929,704.

Matunhu averengwa anoti Harare, Bulawayo, Mashonaland Central, Mashonaland East, Masvingo, Manicaland, Midlands, Matabeleland North ne Matabeleland South.

VaChamisa vakakunda VaMnangagwa zvine mutsindo muHarare umo vakawana mavhoti 548,889 - VaMnangagwa vachiwana mavhoti 204,710.

VaMnangagwa vakundawo VaChamisa kuMashonaland Central uko vawana mavhoti anosvika 366,785 - VaChamisa vachiwana mavhoti 97,097.

Pane zvaburitswa, VaMnangagwa vari kutungamira nemavhoti 217,801.

Harare - Chamisa 548,889; VaMnangagwa 204,704.

Masvingo - Chamisa 171,196; VaMnangagwa 319,073

Mash East - Chamisa 189,024; VaMnangagwa 334,617

Mash Central - Chamisa 97,097; VaMnangagwa 366,785

Midlands - Chamisa 255,059; VaMnangagwa 350,754

Manicaland - Chamisa 296,429; VaMnangagwa 292,938

Bulawayo - Chamisa 144,107; VaMnangagwa 60;168

Mat North - Chamisa 137,611; VaMnangagwa 111,452

Mat South - Chamisa 90,292; VaMnangagwa 107,008

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG