Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshandisa Sahwira waVaTrump Kugadzirisa Hukama Hwavo neAmerica


FILE - Lobbyist Brian Ballard, center meets with other lobbyists, from center to left, Mac Stipanovich, Gene McGee Joe McCann, Courtney Bense, Greg Turbeville, Matt Bryan, and Clark Smith in the Capitol cafeteria before the legislative session begins, Apr
FILE - Lobbyist Brian Ballard, center meets with other lobbyists, from center to left, Mac Stipanovich, Gene McGee Joe McCann, Courtney Bense, Greg Turbeville, Matt Bryan, and Clark Smith in the Capitol cafeteria before the legislative session begins, Apr

Bepanhau remuAmerica, rePolitico rinoti hurumende yaVa Emmerson Mnangagwa, yahaya kambani yemagweta ine mukurumbira muAmerica, uye inodyidzana nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti ishande mukuvakiridza hukama hweZimbabwe neAmerica.

Basa iri rakapihwa kambani yeBallard Partners mwedzi wapera zvichitevera chibvumirano chakasainwa pakati pehurumende yaVaMnangagwa yakamirirwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSubisio Moyo, ukuwo Ballard Partners yakamirirwa nemukuru wayo, VaBrian Ballard.

Zimbabwe ichange ichibhadhara Ballard Partners mazana mashanu ezviuru zvemadhora ($500,000) pagore, mari iyi ichibhadharwa pamwedzi mitatu yega yega iri zana nemakumi mashanu ezviuru zvemadhora ($150,00).

Mari yekutanga yezana nemakumi mashanu ezviuru ($150,000) yakabhadharwa mwedzi wapera panguva iyo hurumende yaitsvaga rubatsiro rwemari yekubatsira vanhu vakawirwa netsaona yemumigodhi yekuKadoma iyo yakasiya vanhu makumi maviri nevatanhatu vafa.

Magwaro ari mumaoko eStudio7 anoratidza kuti chibvumirano cheZimbabwe neBallard chakanyoreswa zviri pamutemo neBallard Partners musi wa Kurume 1, 2019 naVaBallard mbune.

Chibvumirano ichi chakanyoreswa zviri pamutemo pasi pemutemo pasi pemutemo wemuAmerica we Foreign Agents Registration Act.

Muchibvumirano ichi, Ballard inoti ichange ichishanda nebazi remuAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika paine chinangwa chekuti hukama hweZimbabwe neAmerica hugadzirisike, uye kuti Zimbabwe idzokere pachimiro chakanaka nemasangano anokweretesa mari pasi rose.

Ballard inotiwo ichange ichiudza hurumende yeZimbabwe zvose zvinenge zvichiitika muAmerica zvinobata Zimbabwe, uye kuudza Zimbabwe zvinenge zvichiitika pamitemo yeAmerica inobata Zimbabwe.

Pamusoro pemazana mashanu ezviuru zvemadhora, Zimbabwe ichange ichisungirwa kubhadhara zvakare mari yose ichashandiswa pakufamba nevakuru vakuru veBallard pavanenge vachiita basa vakamirira hurumende yaVaMnangagwa.

Zimbabwe ichange ichibhadhara mari dzendege, kugara muhotera nechikafu pose vakuru veBallard vanenge vachiita basa vakamirira hurumende yeZimbabwe.

VaBallard vanozivikanwa zvikuru nekudyidzana kwavo kwemhando yepamusoro soro naVaTrump.

VaBallard ndivo vaive mberi mukutsvagira VaTrump mari musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016.

Svondo rino, VaTrump vakawedzera negore zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende yaVaMnangagwa, pamwe nemadzisahwira avo vachiti VaMnangagwa havasati varatidza chido chekuvandudza mamiriro ezvinhu munyaya dzematongerwo enyika pamwe nehupfumi.

Ballard Partners ine muzinda wayo muguta reTallahassee mudunhu reFlorida.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMoyo, kanawo kuna VaBallard pamusoro pechibvumirano chavakanyorerana.

Zimbabwe yanga yava nemnakore akawanda isina anoimirira zvichitevera kupera kwakaita chibvumirano chayo naAri Ben-Menashe wekambani yeDickens and Madison, iyo ine muzinda wayo muMontreal, kuCanada.

Ben-Menashe akamboedza kuroverera vaimbove mutungamiri weMDC, muchakabvu Morgan Tsvangirai nemhosva yekuda kuuraya vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, VaRobert Mugabe.

Panguva yaishandiswa Ben-Menashe sechapupu nehurumende yeZanu PF, Ben-Menashe akanga akanyoresa nehurumende yeAmerica sechipangamazano chehurumende yeZimbabwe.

Asi VaTsvangirai vakawanikwa vasina mhosva yekuda kupfuudza VaMugabe, nyaya iyi ndokuraswa nedare redzimhosva.

Ben Menashe akamboshanda semusori wechiuto kuIsrael.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG