Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu Yotarisirwa Kukwira Zvichitevera Kukwira kweMitengo yeMafuta


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kukwidzwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari neZimbabwe Energy and Regulatory Authority kana kuti ZERA kuchapa kuti mitengo yezvinhu ikwire zvakanyanya.

Mukuru weZERA, VaEddington Mazambani ,vaudza Studio 7 kuti kukwira kwemitengo yekuunza mafuta aya munyika ndiko kuri kupawo kuti vawedzera mutengo.

ZERA inoti kunyangwe yatara mitengo, vanotengesa mumagaraji havafanire kudhurisa mafuta ekufambisa dzimotokari aya zvakanyanya.

GlobalPetrolProces.com iyo inoongorora mitengo yemafuta ekufambisa dzimotokari pasi rose inoti muAfrica, Zimbabwe iri pachidanho chechipiri kubva kuSenegal pakudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vanoti nyaya yekukwira kwemafuta aya chave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga.

VaBhoroma vanoti izvi zvinoshamisa zvikuru nekuti Zimbabwe inosanganisa mafuta ainotenga kunze neanogadzirwa nenzimbe dzinorimwa kuChisumbanje.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti kukwira kwemafuta ekufambisa dzimotokari kunopawo kuti mitengo yezvinhu zvakawanda iwedzerwe asi vashandi vasiri kuwedzerwa mari.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vanoti panofanira kudzamiswa pfungwa pasati pakwidzwa mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari nekuti zvinokonzera kusagadzikana kwehupfumi.

VaMuponda vatiwo havo haisi Zimbabwe chete iri kukwidza mitengo nekuti South Africa iri kutarisirwa kuita zvimwe chetezvo munguva pfupi inotevera.

Mutungamiri weEmployers Confederaition of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vati kukwira kwemitengo kuchakonzera kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation vachiti sevemabhizimisi vari kunetsekana nekusagadzikana kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG