Accessibility links

Breaking News

Bhunu naChawafambira Vanopinda muMakwikwi eKupedzisira eTenisi


Vasikana vaviri vemutambo wetenisi vari muchikamu che Zimbabwe Under 16, vapinda mumakwikwi ekupedzisira emitambo ye Africa Junior Tennis Championships Zonal Qualifiers, zvichitevera kukunda kwavaaita vasikana vaviri veku South Africa mu semi final..

Pauline Chawafambira na Valeria Bhunu vachange vachikweshana vari vaviri mu final yemakwikwi aya.

Vasikana nevakomana vanobva munyika pfumbamwe vanga vari mumakwikwi aya, ayo akatangwa nemusi weSvondo. Nyika idzi dzinosanganisira Zimbabwe, South Africa, Mauritius, Angola, Botswana, Lesotho, Malawi, Swaziland neZambia.

Vachabudirira mumakwikwi aya vachaenda kunotamba pamitambo yekupedzisira ichatambirwa kuNigeria.

Murairidzi wetenisi, VaRichmore Murape, vanoti makwikwi aya ari kufamba zvakanaka uye ari kutarisirwa kutsvaga hunyanzvi hwevechidiki mumutambo wetenisi.

XS
SM
MD
LG