Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 24, 2018.


Misoro yeNhau

Mumwe wevari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDevine Mhambi Hove, vebato reNational Alliance of Patriotic and Democratic Republicans, vazivisa kuti vabuda musarudzo yemutungamiri wenyika vachitsutsumwa pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa basa neZimbabwe Electoral Commission.

Zanu PF inobuda mumusangano weMultiparty Liaison Committee ichiti mamwe mapato ezvematongerwo enyika ari kudziya musoro padanho rawo rekushoropodza Zec zvisina nemusoro wese.

Election Situation Room inoti kunyange hazvo munyika muine runyararo, inoshushikana zvikuru nemashoko ari kubva kunzvimbo dzakasiyana siyana anoti kune vamwe vari kushandisa chikafu sechombo chekutsvaga nacho vachavavhotera musarudzo.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinoti zviri kupinda munzira kuenda kuZimbabwe kunovhota nemusi weMuvhuro, asi vamwe vachiti vari kukundikana nepamusana pekushaya mari.

Mamwe mapato ezvematongerwop enyika onyunyuta achiti mamwe mapato haasi kuremekedza kuzvipira kwaakaita kuti munyika muitwe sarudzo murunyararo sezvo mapato aya ari pamberi mukuita mhirizhonga pamwe nekushungurudza vanhu pamberi pesarudzo dzichaitwa nemusi weMuvhuro.

Mapato maviri makuru ari musarudzo otaura pamusoro pezvaari kuvimbisa veruzhinji munyaya dzehupfumi hwenyika kana aching akunda musarudzo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutaura nevari kukwikwidza musarudzo nemusi weMuvhuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 24, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG