Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 26, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mumwe munhu mumwe chete ofa nechirwere cheCovid-19 kuBulawayo

Vakoti muHarare vodzokera mukuramwa mabasa vachiti vave kuda kushanda mazuva mashoma pavhiki nekuti mari dzavari kutambiriswa hadzikwane.

Vamwe vana vodzokera kuzvikoro kunyangwe kuramwa mabasa kwevarairidzi kuri kuenderera mberi.

Vatsigiri veMDC Alliance voratidzira kuBotswana vachiti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwete zvirango ndizvo zvakonzera matambudziko munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm nhasi tiri kutarisa nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19, nyaya yezvirango uye sarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

VANODA KUTERERERA STUDIO7, TIBATEYI NA7 PM PAMASAISAI ANOTI 909 AM 4930; 6175, NE 7255 KILOHERTZ PASHORT WAVE MAZUVA OSE.

MUNOKWANISAWO KUNZWA STUDIO7 NA6 AM - MUVHURO KUSVIKA CHISHANU, PAMASAISAI ANOTI 909 AM, 4930, 13860, NE 15460 PASHORT WAVE.

KANA MUCHIDA KUNZWA CHIRONGWA CHELIVETALK, TIBATAYI PAMASAISAI ANOTI 13860 15460, 909AM KANA 4930 KILOHERTZS

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG