Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 28, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Ishe Felix Ndiweni vedunhu reNtabazinduna kuMatabeleland North vanopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso inoita mazana mashanu emadhora kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga anotandanisa vanhu panze pedare redzimhosva muBulawayo apo nyaya yaIshe Ndiweni yanga ichinzwikwa mudare.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvogara zvakabatira hura mumaoko zvichitevera mhirizhonga iri kuitika muPretoria, umo muri kupiswa motokari pamwe nekuputswa kwemidziyo nezvivakwa.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inorambidzwa kuratidzira kuMhangura nemuChinhoyi mudunhu reMashonaland West. Bato iri ranga richida kuratidzira munzvimbo idzi nemusi weChishanu.

Sangano reZimbabwe National War Veterans Association rinoti hachisi chokwadi kuti vanhu vari kupambwa vachiitwa kafiramberi muZimbabwe, izvo zvanzi nemasangano anorwira kodzero dzevanhu hazvina nematuro ese.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko ari kutarisana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara nekushanda muSouth Africa, uko kuri kumbunyikidzwa kodzero dzevatyairi vemagonyeti vasiri zvizvarwa zvenyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG