Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 14, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bato reMDC rinoti riri kuenderera mberi nekuratidzira musi weChishanu richiti vanhu vose vakasungunuka kubatana naro.

Vamwe vatsigiri veMDC vopemera vasori mhosva yekuvapamba nekuvarova zvakaipisisa vachida kuti vasaratidzire.

Vana chiremba voronga zvekare kuratidzira vachiti muzvipatara hamuna zvikwanisiro.

Tichanzwa zvazeyiwa mudare remakurukota nhasi apo makurukota aya achataura nevatori venhau.

Zvizvarwa zvekuZimbabwe zvakanopotera kuKenya makore makumi mashanu apfuura zvopihwa mapepa ekugara munyika iyi zviri pamutemo. Nhasi tine hurukuro nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri munyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm nhasi tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuronga kunoratidzira kumizinda yeZimbabwe iri munyika dzavagere.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG