Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 07, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvemukati menyika, VaCain Matema, vanoudza paramende kuti hurumende ichiri kuferefeta zvakaitika kumurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika muna 2015, VaItai Dzamara.

Mhuri yekwaDzamara iri kuparura nhasi chirongwa chekurangarira mabasa aiitwa naVaItai Dzamara, che Itai Dzamara Trust.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanozivisa nyika kuti vapa kambani yekunze yeVictoria Consultancy, basa rekuti ishambadze kutengeswa kwemarasha kuIndia neJapan, izvo zviri kunzi nevamwe hazvina kurongeka sezvo nyika iri kunetseka kuwana marasha ekugaya magetsi.

Vanhu vakawanda munyika, kusanganisira vari munyaya dzematongerwo enyika, vanonzi vakakwereta mamiriyoni emadhora akawanda kubhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, kana kuti CBZ, asi vanhu ava vachitadza kubhadhara zvikwereti izvi.

Mutambi wetsiva ane mukurumbira, Charles Manyuchi, owana mukana wekurwira mukombe unoverengwa pasi rese weWorld Boxing Federation

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zvenyika zviri kunze kwenyika mukubatsira kusimudzira hupfumi hwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG