Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 03, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 chiri kuenderera mberi hurumende ichiti vanhu zviuru makumi maviri nezvishanu nemakumi manomwe nevanomwe, 25077, vakanga vabayiwa nhomba iyi kusvika mukupera kwezuva nezuro.

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vakatambira kusiya basa kwakaitwa naVaKembo Mohadi, kunyange hazvo vanga vasina kuzvitarisira kuti ndizvo vachaita

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanotaura kekutanga nezvekubuda kwedzimwe nhengo dzebato ravo dzichienda kuZanu-PF uye pavamire nyaya yemunyori mukuru webato iri VaCharlton Hwende.

Mutori wenhau, Nyasha Ndoro, anosungwa apo nhengo dzeZinasu dzanga dzichiratidzira pamatare epa Rotten Row Courts.

Studio7 inotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG