Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 14, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu gumi nevashanu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vakabatwa nechirwere ichi pazviuru zvisere nemakumi matatu nevatanhatu.

Bazi rinoona nezvekupinzwa basa kwevashandi vehurumende, rePublic Service Commission, rinozivisa kuti murairidzi achangotanga basa achange owana mari inodarika zviuru gumi nezviviri zvemadhora pamwedzi inova mari inosanganisira mihoro nemari yekubatsirikana

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemumwe mutevedzeri wavo ari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, pamwe neZimbabwe Electoral Commission voendeswa kumatare vachinzi vakatyora bumbiro remitemo yenyika nevanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo dze by elections dzakambomiswa nehurumende.

Vanhu vakawanda vodzingwa mudzimba dzavanoroja sezvo vari kutadza kubhadhara mari dzerendi nepamusana pedambudziko riri kukonzerwa nechirwere cheCovid-19.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muno muAmerica, VaTinashe Tsokodayi, avo vakanga vakavharirwa kumusha kwemwedzi minomwe nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG