Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 30, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa ekuMashonaland West anorambidza MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuratidzira munzvimbo nhanhatu mudunhu iri.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions romirirwa mubhodhi reNational Social Security Authority mushure mekunge risiri mubhodhi iri kwenguva yakareba.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vanopa mashoko ekurudziro yekubatana nekutsigirana kwemasangano evashandi muZimbabwe neBotswana pamasangano wevashandi waitwa nhasi kuBotswana.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kusagadzikana kuri muSouth Africa zvichitevera kushungurudzwa kuri kuitwa vatyairi vemagonyeti munyika iyi vasiri zvizvarwa zveSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG